District Development Fund (DDF) shipping services yoramba kutambira ecocash pamwe nema debit cards

Patsaka Correspondent

Nhau naWayne Chihota

Bazi rehurumende rinoona nezvebudiriro muDistrict yeKariba iro rinoshandisa chikepe mukutakura vanhu pamwe nemidziyo cheDDF Shipping Services chinonzi choramba kutambira mari yecocash kana mabank cards mukufamba kwacho.

Kuita uku kwatenderedza misoro pamwe nekushungurudza vanoshandisa chikepe ichi mukufamba sezvo ingori iyo chete nzira iri nyore kuenda kuNyaminyami uchibva muKariba

Kuita uku kunopesana nekurudziro yehurumende kuti panofanira kushandiswa plastic money. Vachitaura kuvatori venhau masvondo mashoma apfuura gavhuna vebhanga guru renyika Dr John Panonetsa Mangundya vakati vanhu vanofanira kushandisa plastic money kuderedza kushomeka kwemari sezvo makambani pamwe nevamwe vana muzvina bhizimisi vasinga endesi mari kumabhanga.

DDF iyo yaizivikanwa zvikuru mukubatsira kutakura vanhu nemutengo wakaderera makore apo zvinhu zvichakanaka muZimbabwe inonzi yakuratidza kushaya hanya nevanhu vedivi rekuNyaminyami pamaitiro akadai asi kungoda mari yavo chete. Chinangwa chakaita kuti paiswe zvikepe izvi chaive chekuita kuti budiriro muKariba nzvimbo yeNyaminyami pamwe neyeBinga zvivewo nyore kuburikidza nekutakura vanhu nemidziyo nemutengo wakaderera

Vanhu vazhinji vanoti DDF yavakurasika gwara rehurumende sezvo yavepo kuomesera vanhu nekuda musvo pakutsvaga mari chete kwete kusimudzira nzvimbo sezvainosungirwa.

Mumwe mudzidzisi anofamba nechikepe nguva zhinji mukufambira basa rechikoro kuuya kuKariba sezvo kuriiko kunemahofisi avo anoti, “DDF haisisiri yekuunza budiriro sezvinotarisirwa.” “Mukatarisa muchaona kuti vari kuti ukatenga mafuta emota yako okufammbisa diesel kana petrol muchigubhu kana gaba varikuda 30c pa rita, havasi kutara huremu nokuti vanoti ivo vari kuunza mafuta ekutengesa ikoko apa vanhu vaakuuya kuno, saka tiri kudaro kuti mutenge ikoko kwete kuda zvakapfava nekuva nemutengo wepasi wachipa”

Pachibvunzwa mumwewo asina kuda kudomwa nezita sezvo iri iyo nzira yaanoshandisa, kuti sei vasingapi zvinyunyuto izvi kumukuru anoona nezvekufambiswa kwebasa kukambani, akati vakamboedza asi hapana chakabuda

“Takambopiwa nhare yemunhu anonzi ndiye anesimba ari kumusoro, hatina kuda kuzotaura naye sezvo takazonzi nemumwe mushandi airatidzawo kusafara tave kuzvigokera moto muziso”, vakadaro.
Vanoshandisa nzira idzi pakufamba vanoti zvakakosha kuti hurumende ione kubatwa kurikuitwa vanhu venzvimbo yeNyaminyami uye paitwe kuti makambani aya asadzosera zvirongwa zvakanaka zvinonga zvawiiswa kuti vanhu vabatsirikane. Plastic money yakagamuchirwa zvakanaka chose munzvimbo yeNyaminyami asi kuita kwakadai kwave kushamisa vonofamba nenzira iyi. Vanofamba vanoti pakava nefungidziro yekuti Kambani ingava yapomherwa mhaka isipo, zvinogona kuonekwa kubva mumabhadhariro anove arimumarekodzi ekamba iyi kuti haasi manyepo.

Follow us on twitter @PatsakaCRI

Facebook: Patsaka Nyaminyami CR

Website: www.patsakacommunityradio.org

Call/App/Text: 0773686327